Revelation of John 19

Hareruya!

1Shure kwaizvozvi, ndakanzwa inzwi kudenga rakaita sokutinhira wavazhinji zhinji richiti:

“Hareruya!
Ruponeso nokubwinya nesimba ndezvaMwari wedu,
2nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi uye kunoruramisira.
Akatonga chifeve chikuru
chakaodza nyika noupombwe hwacho.
Akatsiva paari ropa ravaranda vake.”
3Uyezve vakadanidzira vachiti:

“Hareruya!
Utsi hunobuda maari hunokwira nokusingaperi-peri.”
4Vakuru makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi vakanamata Mwari, akanga agere pachigaro choushe. Uye vakadanidzira vachiti:

“Ameni, Hareruya!”
5Ipapo inzwi rakabva pachigaro choushe, richiti:

“Rumbidzai Mwari wedu,
imi varanda vake mose,
imi munomutya,
mose vaduku navakuru!”
6Ipapo ndakanzwa zvakanga zvichiita savazhinji zhinji, somumvumo wemvura zhinji uye senzwi guru rokutinhira kwemabhananʼana, richiti:

“Hareruya!
Nokuti Ishe Mwari wedu Wamasimba Ose anotonga.
7Ngatifarei uye tifarisise
uye timurumbidze!
Nokuti mutambo wokuwana weGwayana wasvika,
uye mwenga waro azvigadzirira.
8Akapiwa mucheka wakachena,
wakanaka uye unopenya kuti aupfeke.”
(Mucheka wakanaka ndiwo mabasa akarurama avatsvene.)

9Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Nyora uti: ‘Vakaropafadzwa avo vakakokwa kuchirariro chokuwana cheGwayana!’ ” Uye akatizve, “Aya mashoko echokwadi aMwari.”

10Pakarepo ndakawira patsoka dzake kuti ndimunamate. Asi iye akati kwandiri, “Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako dzinobatirira pakupupura Jesu. Namata Mwari! Nokuti uchapupu hwaJesu ndiwo mweya wouprofita.”

Murume akanga akatasva Bhiza Jena

11Ndakaona denga razaruka uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena, mutasvi waro anonzi Akatendeka uye Chokwadi. Nokururamisira anotonga uye anorwa hondo. 12Meso ake akaita somurazvo womoto, uye pamusoro wake pane korona zhinji. Ane zita rakanyorwa paari risingazivikanwi nomunhu asi naiye oga. 13Akapfeka nguo dzakanyikwa muropa, uye zita rake ndiye Shoko raMwari. 14Hondo dzokudenga dzakanga dzichimutevera, akatasva bhiza jena uye akapfeka mucheka wakanaka, wakachena uye usina tsvina. 15Mumuromo make munobuda munondo unopinza waanouraya nawo ndudzi. “Achavatonga netsvimbo yesimbi.” Anotsika chisviniro chewaini yokutsamwa kwehasha dzaMwari Wamasimba Ose. 16Panguo yake napachidya chake ane zita iri rakanyorwa:

mambo wamadzimambo naishe wamadzishe
17Uye ndakaona mutumwa amire muzuva, akadanidzira nenzwi guru kushiri dzose dzinobhururuka muchadenga achiti, “Uyai, unganai pamwe chete pachirariro chaMwari, 18kuti muzodya nyama yamadzimambo, yavakuru vehondo, yavarume vane simba, yamabhiza neyavatasvi vawo, nenyama yavanhu vose, vakasununguka nenhapwa, vaduku navakuru.”

19Ipapo ndakaona chikara namadzimambo enyika uye nehondo dzavo dzakaungana pamwe chete kuti dzindorwa nomutasvi akanga ari pabhiza uye nehondo yake. 20Asi chikara chakabatwa, pamwe chete nomuprofita wenhema akanga aita zviratidzo pachinzvimbo chacho. Nezviratidzo izvi akanga atsausa avo vakanga vagamuchira mucherechedzo wechikara uye vanamata mufananidzo wacho. Vaviri ava vakakandwa mudziva romoto unopfuta nesafuri vari vapenyu. 21Vakasara vavo vakaurayiwa nomunondo wakabuda mumuromo wouyo akanga akatasva bhiza, uye shiri dzose dzakagutswa nenyama yavo.

Copyright information for SnaBDSC